Kuenderera mberi nedhingindira rakakosha.

Pagungano redu rinoitwa makore mana egaega, tino pesva hurongwa, tobvumirana pazvinangwa zvenguva yatinenge takatarisana nayo. Tinoitawo hurukuro pamusoro pezvakakosha munharaunda matinogara nepasi rose. Pagungano renyika dzose, richaitwa mugore ra 2022, ndichakurudzira kuti titore matanho ekuti ticherechedze dhingindira rekusanduka kwemamiriro ekunze

Pakati penguva yemisangano (gungano) yenyika dzepasi rese, ini semumiriri, ndinotarisirwa kuita gadziriro muhurongwa hunonongedza mafambisirwo ebasa. Mugore ra 2017, ndakaturira hurongwa hune chekuita neshanduko yemamiriro ekunze. Donzvo ranga riri rekuti tionesane zvaida kuitwa kubvira gore iroro ra 2017  kusvikira gore ra 2021 raiva gore raizoitwa mumwe musangano wepasi rose.  Zvichienderana nekukosha kweshanduko yemamiriro ekunze nokuvepo kwezvinoda kuti zvikurumidzirwe, ndichakohomedza mirairo kana hurongwa hwatingashandise kubva parizvino kusvikira pagungano renyika dzose remugore ra 2022.

Nhengo dze RC, mushure mekunge vaona kuipa nezviitiko zvinokonzereswa neshanduko yemamiriro ekunze, zvimwe zvacho zviri zvinoitwa nevanhu, vakazvipira kushanda vachitsigira dzimwe nhengo kuti dzikwanise kurarama zvakanaka zvisinei kuti kune matambudziko akadaro nekutsvaka mikana yekuderedza kana kutomisa shanduko yemamiriro ekunze

Tichatsigira nhengo dzese dze RC kuti vakwanise kupungura shungu dzemwoyo idzo dzingangovakanganise kuita mabasa avanotarisirwa kuita mukuchengetedza mararamiro enyika. Mukuita izvi, tinokarira kuwana kundiso pazvipiringidzo zvose zviri maererano nokusagadzikana kwenyika nezvimwewo zvinokanganisa pundutso maringe nematambudziko eshanduko yemamiriro ekunze

Tichagadzirisa mikana kuti nhengo dze RC dzisangane dzichikururukura  zviri pamusoro pemamiriro ezvinhu, ndangariro dzakadzama, wongororo netsvakiridzo yepfungwa itsva,  mhindupindu nehurongwa hwekuvakiridza. Izvi zvese tichazviita tichshandisa zvikwanisiro zvakaita semisangano padandemutande, kudzamisa pfungwa nezvimwewo zvingangoshandiswe kuvakiridza nzwisiso nekuyanana

Kuita basa rakaisvokosha iri kuchasungira kuti mumwe neumwe azvipire kuwana kundiso pakukahadzika nekuora mwoyo kunowanzoitika kana munhu ari ega. Kukunda zviedzo kuchaita kuti tifambire mberi pamwechete nekugutsikana zvichizoita  kuti tikwanise kuvaka ukama nevamwewo vanhu kana veruzhinji vanotarisira pasi zvinhu zvisakarurama

Tinokwanisa kubatsirana nekutsigirana pakudzidza  nekunzwisisa zvirikuitika nezve mamiriro ekunze kusanganisira vagari vedzinzvimbo, masangano anotora matanho ekuchengetedza mamiriro akanaka kudzivirira shanduko yemamiriro ekunze. Izvi zvichatipa ruzivo nekuita kuti tisakanganisike utano hwepfungwa kwatiri nekune vatinogara navo.

 

 

 


Last modified: 2023-04-15 09:24:12+00